Testamende Yekare

Testamende Itsva

Vakorose 4:9-18 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

9. Ari kuuya pamwe chete naOnesimo, hama yedu yakatendeka uye inodikanwa, anova mumwe wenyu. Vachakuudzai zvose zviri kuitika kuno.

10. Musungwa pamwe chete neni Aristakusi anokukwazisai, naMako, hama yaBhanabhasi anokukwazisaiwo. (Makarayirwa zvokuita naye; kana asvika kwamuri, mumugamuchire.)

11. Jesu anonzi Jasitasi, anokukwazisaiwo. Ava ndivo vaJudha bedzi pakati pavamwe vandinoshanda navo muumambo hwaMwari, uye vanondinyaradza.

12. Epafurasi, mumwe wenyu nomuranda waKristu Jesu, anokukwazisai. Anogara achirwa muminyengetero nokuda kwenyu, kuti mumire makasimba mukuda kwose kwaMwari, makura uye muzere nokuziva.

13. Ndinomupupurira kuti anokushandirai nesimba pamwe chete naavo vari paRaodhikea, napaHirapori.

14. Shamwari yedu inodikanwa Ruka, chiremba, naDhemasi vanokukwazisai.

15. Ndikwazisirei hama dziri paRaodhikea, naNimufa nekereke iri mumba make.

16. Mushure mokuverengwa kwetsamba kwamuri, muone kuti yaverengwawo mukereke yeRaodhikea uye kuti nemiwo muverenge tsamba inobva kuRaodhikea.

17. Muudze Akipasi kuti, “Ona kuti wapedza basa rawakagamuchira muna She.”

18. Ini, Pauro ndanyora kwaziso iyi noruoko rwangu pachangu. Rangarirai ngetani dzangu. Nyasha ngadzive nemi.

Verenga chitsauko zvakakwana Vakorose 4