Testamende Yekare

Testamende Itsva

Vakorose 4:4-12 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

4. Nyengeterai kuti ndigone kuparidza zvakajeka, sezvandinofanira.

5. Muve vakachenjera pamafambiro enyu kuna vari kunze; mungwarire nguva yenyu.

6. Kutaura kwenyu ngakugare kwakazara nenyasha nguva dzose, kwakarungwa nomunyu, kuitira kuti muzive mapinduriro amunoita vanhu vose.

7. Tikiko achakuudzai mashoko ose pamusoro pangu. Iye ihama inodikanwa kwazvo, mushumiri akatendeka nomushandi pamwe chete neni muna She.

8. Ndiri kumutuma kwamuri nechinangwa ichi kuti muzive zvatiri uye kuti akurudzire mwoyo yenyu.

9. Ari kuuya pamwe chete naOnesimo, hama yedu yakatendeka uye inodikanwa, anova mumwe wenyu. Vachakuudzai zvose zviri kuitika kuno.

10. Musungwa pamwe chete neni Aristakusi anokukwazisai, naMako, hama yaBhanabhasi anokukwazisaiwo. (Makarayirwa zvokuita naye; kana asvika kwamuri, mumugamuchire.)

11. Jesu anonzi Jasitasi, anokukwazisaiwo. Ava ndivo vaJudha bedzi pakati pavamwe vandinoshanda navo muumambo hwaMwari, uye vanondinyaradza.

12. Epafurasi, mumwe wenyu nomuranda waKristu Jesu, anokukwazisai. Anogara achirwa muminyengetero nokuda kwenyu, kuti mumire makasimba mukuda kwose kwaMwari, makura uye muzere nokuziva.

Verenga chitsauko zvakakwana Vakorose 4