Testamende Yekare

Testamende Itsva

Vakorose 4:1-5 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Vatenzi, ipai varanda venyu zvinhu zvakanaka uye zvakaenzana, nokuti munozviziva kuti nemiwo muna vaTenzi kudenga.

2. Muzvipire pakunyengetera, makanyatsorinda uye muchivonga.

3. Uye mutinyengetererewo kuti Mwari azarure mukova weshoko redu, kuitira kuti tigoparidza chakavanzika chaKristu, icho chandakasungirwa.

4. Nyengeterai kuti ndigone kuparidza zvakajeka, sezvandinofanira.

5. Muve vakachenjera pamafambiro enyu kuna vari kunze; mungwarire nguva yenyu.

Verenga chitsauko zvakakwana Vakorose 4