Testamende Yekare

Testamende Itsva

Vakorose 2:4-13 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

4. Ndinokuudzai izvi kuitira kuti parege kuva nomunhu anokunyengerai namashoko anobata kumeso.

5. Nokuti kunyange ndisipo pamuri mumweya uye ndinofara ndichiona kuti mugere zvakanaka sei uye kuti makasimba sei mukutenda kwenyu muna Kristu.

6. Saka zvino, sezvamakagamuchira Kristu Jesu saShe, rambai muchifamba maari,

7. mune midzi uye makavakwa maari, makasimbiswa mukutenda sezvamakadzidziswa, uye muzere nokuvonga.

8. Muone kuti parege kuva nomunhu anokutapai nokutaura kusina maturo kunonyengera, kunosendamira patsika dzavanhu uye nezvokuvamba kwenyika ino, asingateveri Kristu.

9. Nokuti muna Kristu kuzara kwouMwari kunogara maari pamuviri,

10. nemiwo makapiwa kuzara uku muna Kristu, iye ari pamusoro poushe hwose nesimba.

11. Nemiwo makadzingiswa maari, mukubviswa kwomunhu wezvivi, kwete nokudzingiswa kunoitwa namaoko avanhu, asi nokudzingiswa kunoitwa naKristu,

12. makavigwa pamwe chete mukubhabhatidzwa uye mukamutswa pamwe chete naye nokutenda kwenyu musimba raMwari, akamumutsa kuvakafa.

13. Pamakanga makafa muzvivi zvenyu uye nokusadzingiswa kwomunhu wenyu wekare, Mwari akakuitai vapenyu muna Kristu. Akatikanganwira zvivi zvedu zvose,

Verenga chitsauko zvakakwana Vakorose 2