Testamende Yekare

Testamende Itsva

Vakorose 2:3-8 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

3. maari pfuma yose youchenjeri nokuziva yakachengetwamo.

4. Ndinokuudzai izvi kuitira kuti parege kuva nomunhu anokunyengerai namashoko anobata kumeso.

5. Nokuti kunyange ndisipo pamuri mumweya uye ndinofara ndichiona kuti mugere zvakanaka sei uye kuti makasimba sei mukutenda kwenyu muna Kristu.

6. Saka zvino, sezvamakagamuchira Kristu Jesu saShe, rambai muchifamba maari,

7. mune midzi uye makavakwa maari, makasimbiswa mukutenda sezvamakadzidziswa, uye muzere nokuvonga.

8. Muone kuti parege kuva nomunhu anokutapai nokutaura kusina maturo kunonyengera, kunosendamira patsika dzavanhu uye nezvokuvamba kwenyika ino, asingateveri Kristu.

Verenga chitsauko zvakakwana Vakorose 2