Testamende Yekare

Testamende Itsva

Vakorose 2:10-20 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

10. nemiwo makapiwa kuzara uku muna Kristu, iye ari pamusoro poushe hwose nesimba.

11. Nemiwo makadzingiswa maari, mukubviswa kwomunhu wezvivi, kwete nokudzingiswa kunoitwa namaoko avanhu, asi nokudzingiswa kunoitwa naKristu,

12. makavigwa pamwe chete mukubhabhatidzwa uye mukamutswa pamwe chete naye nokutenda kwenyu musimba raMwari, akamumutsa kuvakafa.

13. Pamakanga makafa muzvivi zvenyu uye nokusadzingiswa kwomunhu wenyu wekare, Mwari akakuitai vapenyu muna Kristu. Akatikanganwira zvivi zvedu zvose,

14. akadzima mutemo wakanyorwa, nezvirevo zvawo, uyo wakanga uchirwa nesu uye waimira uchipikisana nesu; akaubvisa, achiuroverera pamuchinjikwa.

15. Uye akati abvisa ushe namasimba, akazvibudisa pachena, akazvikunda nomuchinjikwa.

16. Naizvozvo ngakurege kuva nomunhu anokutongai pamusoro pezvamunodya kana kunwa, kana nezvemitambo yechitendero, kupemberera Kugara kwoMwedzi kana zuva reSabata.

17. Izvi mumvuri wezvinhu zvaizouya, kunyange zvakadaro, chokwadi chinowanikwa muna Kristu.

18. Musarega munhu upi zvake anofarira kuzvininipisa kwenhema uye kunamata vatumwa achikutorerai mubayiro wenyu. Munhu akadaro anorondedzera zvikuru pamusoro pezvaakaona, uye nokufunga kwake kwenyama anozvikudza pasina.

19. Akarasika kubva paMusoro, uyo kubva pauri muviri wose, wakasimbiswa uye wakabatanidzwa pamwe chete nemitezo yawo uye namarunda, unokura sezvinoda Mwari.

20. Sezvo makafa pamwe chete naKristu kune mitemo yenyika ino, seiko muchiita kunge muchiri vayo, munozviisa pasi pemitemo yayo here inoti:

Verenga chitsauko zvakakwana Vakorose 2