Testamende Yekare

Testamende Itsva

Vakorose 2:1-7 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Ndinoda kuti muzive kuti ndiri kurwa sei pamusoro penyu uye naavo vari paRaodhikea, navose vasina kuonana neni pachangu.

2. Vavariro yangu ndeyokuti vakurudzirwe mumwoyo uye vabatane murudo, kuitira kuti vave nepfuma izere yokunzwisisa kwakakwana, kuti vagoziva chakavanzika chaMwari, iye Kristu,

3. maari pfuma yose youchenjeri nokuziva yakachengetwamo.

4. Ndinokuudzai izvi kuitira kuti parege kuva nomunhu anokunyengerai namashoko anobata kumeso.

5. Nokuti kunyange ndisipo pamuri mumweya uye ndinofara ndichiona kuti mugere zvakanaka sei uye kuti makasimba sei mukutenda kwenyu muna Kristu.

6. Saka zvino, sezvamakagamuchira Kristu Jesu saShe, rambai muchifamba maari,

7. mune midzi uye makavakwa maari, makasimbiswa mukutenda sezvamakadzidziswa, uye muzere nokuvonga.

Verenga chitsauko zvakakwana Vakorose 2