Testamende Yekare

Testamende Itsva

Vahebheru 9:2-12 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

2. Tabhenakeri yakamiswa. Mukamuri rayo rokutanga makanga mune chigadziko chomwenje, netafura uye nezvingwa zvitsvene; iyi ndiyo yainzi Nzvimbo Tsvene.

3. Mberi kwechidzitiro chechipiri kwakanga kune kamuri yainzi Nzvimbo Tsvene-tsvene,

4. yakanga ine ndiro yegoridhe yezvinonhuhwira uye neareka yesungano yakanga yakafukidzirwa negoridhe. Muareka iyi ndimo makanga mune hari yegoridhe yakanga ine mana, netsvimbo yaAroni yakanga yatunga, uye namahwendefa esungano.

5. Pamusoro peareka pakanga paina makerubhi okubwinya, aidzikatidza chifunhiro chengoni. Asi hatingatauri nezvezvinhu zvose izvi zvizere iye zvino.

6. Zvinhu zvose zvakati zvagadzirwa saizvozvi, vaprista vaizopinda mukamuri yokutanga nguva dzose vachiita ushumiri hwavo.

7. Asi muprista mukuru oga ndiye aipinda mukamuri yomukati, uye kamwe chete pagore, uye asingatongopindi asina ropa, raaizvibayira iye pachake nezvivi zvavanhu zvavakanga vaita mukusaziva.

8. Mweya Mutsvene airatidza nechinhu ichi, kuti nzira inoenda kunzvimbo Tsvene-tsvene yakanga isati yaratidzwa sezvo tabhenakeri yakanga ichimire.

9. Uyu mufananidzo wenguva ino, zvichireva kuti zvipo nezvibayiro zvaibayirwa zvakanga zvisingagoni kuchenesa hana yaiye ainamata.

10. Zvinongova zvokudya nezvokunzwa uye nokushamba kuzhinji zvapanyama, zvavakatemerwa kusvikira panguva yokuvandudzwa.

11. Kristu paakauya somuprista mukuru wezvinhu zvakanaka zvatova pano kare, akapinda nomutabhenakeri yakapfuura pakukura uye napakukwana isina kugadzirwa nomunhu, zvichireva kuti yakanga isiri chikamu chokusikwa kuno.

12. Haana kupinda nokuda kweropa rembudzi neremhuru; asi akapinda muNzvimbo Tsvene-tsvene neropa rake chairo akatiwanira rudzikinuro rusingaperi.

Verenga chitsauko zvakakwana Vahebheru 9