Testamende Yekare

Testamende Itsva

Vahebheru 7:5-15 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

5. Zvino murayiro unoti avo vari zvizvarwa zvaRevhi vakava vaprista kuti vatore chegumi kuvanhu, idzo hama dzavo, kunyange zvazvo hama dzavo dziri zvizvarwa zvaAbhurahama.

6. Murume uyu, kunyange zvakadaro, akanga asina rudzi runobva pazvizvarwa zvaRevhi, asi akatora chegumi kubva kuna Abhurahama uye akaropafadza iye akanga ane zvipikirwa.

7. Uye hapana kukahadzika kuti muduku anoropafadzwa noakamupfuura paukuru.

8. Panyaya iyi yokutanga, chegumi chinotorwa navanhu vanofa; asi pane imwe nyaya iyi chinotorwa naiye anonzi mupenyu.

9. Mumwe angati Revhi, anotora chegumi, akapawo chegumi kubudikidza naAbhurahama,

10. nokuti Merikizedheki paakasangana naAbhurahama, Revhi akanga achiri muchiuno chatateguru vake.

11. Kana kukwaniswa kwaigona kuvapo nenzira youprista hwaRevhi (nokuti vanhu vakapiwa murayiro nokuda kwahwo), ko, mumwe muprista aifanira kuzomuka sei, iye worudzi rwaMerikizedheki, asiri worudzi rwaAroni?

12. Nokuti kana uprista huchishandurwa, kunofanirawo kushandurwa murayiro.

13. Iye anorehwa zvinhu izvi pamusoro pake ndoworumwe rudzi, uye hakuna mumwe worudzi urwu akamboshumira paaritari.

14. Nokuti zviri pachena kuti Ishe wedu akabva kurudzi rwaJudha uye pamusoro porudzi rwaMozisi haana kureva zvavaprista.

15. Uye zvatataura zvinotova pachena kunyanya kana mumwe muprista akaita saMerikizedheki achionekwa,

Verenga chitsauko zvakakwana Vahebheru 7