Testamende Yekare

Testamende Itsva

Vahebheru 7:17-26 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

17. Nokuti zvakataurwa zvichinzi:“Iwe uri muprista nokusingaperi,worudzi rwaMerikizedheki.”

18. Murau wokutanga wakaiswa padivi nokuti wakanga une utera uye usina maturo

19. (nokuti murayiro hauna chinhu chawakaita kuti chive chakakwana), uye tariro iri nani inoziviswa, yatinoswededzwa nayo pedyo naMwari.

20. Uye hazvina kuitwa pasina mhiko! Vamwe vakava vaprista pasina kana mhiko zvayo,

21. asi iye akava muprista ane mhiko, Mwari paakati kwaari:“Ishe akapikauye haangashanduri murangariro wake:‘Iwe uri muprista nokusingaperi.’ ”

22. Nokuda kwemhiko yake, Jesu akava rubatso rwesungano inopfuura nokunaka.

23. Zvino kwakava navazhinji vavaprista avo, nokuti rufu rwakavatadzisa kupfuurira mberi paushumiri;

24. asi Jesu, nokuti anogara nokusingaperi, ano uprista huchavapo nokusingaperi.

25. Naizvozvo anogona kuponesa zvizere vaya vanouya kuna Mwari kubudikidza naye, nokuti anorarama nokusingaperi achivanyengeterera.

26. Muprista mukuru akadai anotipa zvatinoshayiwa, iye mutsvene, asina chaangapomerwa, asina kusvibiswa, akatsaurwa kubva kuvatadzi, akasimudzirwa pamusoro pamatenga.

Verenga chitsauko zvakakwana Vahebheru 7