Testamende Yekare

Testamende Itsva

Vahebheru 7:14-21 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

14. Nokuti zviri pachena kuti Ishe wedu akabva kurudzi rwaJudha uye pamusoro porudzi rwaMozisi haana kureva zvavaprista.

15. Uye zvatataura zvinotova pachena kunyanya kana mumwe muprista akaita saMerikizedheki achionekwa,

16. uyo ava muprista kwete nokuda kwomurayiro wenhoroondo yamadzitateguru ake asi nokuda kwesimba roupenyu husingaparadziki.

17. Nokuti zvakataurwa zvichinzi:“Iwe uri muprista nokusingaperi,worudzi rwaMerikizedheki.”

18. Murau wokutanga wakaiswa padivi nokuti wakanga une utera uye usina maturo

19. (nokuti murayiro hauna chinhu chawakaita kuti chive chakakwana), uye tariro iri nani inoziviswa, yatinoswededzwa nayo pedyo naMwari.

20. Uye hazvina kuitwa pasina mhiko! Vamwe vakava vaprista pasina kana mhiko zvayo,

21. asi iye akava muprista ane mhiko, Mwari paakati kwaari:“Ishe akapikauye haangashanduri murangariro wake:‘Iwe uri muprista nokusingaperi.’ ”

Verenga chitsauko zvakakwana Vahebheru 7