Testamende Yekare

Testamende Itsva

Vahebheru 7:11-16 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

11. Kana kukwaniswa kwaigona kuvapo nenzira youprista hwaRevhi (nokuti vanhu vakapiwa murayiro nokuda kwahwo), ko, mumwe muprista aifanira kuzomuka sei, iye worudzi rwaMerikizedheki, asiri worudzi rwaAroni?

12. Nokuti kana uprista huchishandurwa, kunofanirawo kushandurwa murayiro.

13. Iye anorehwa zvinhu izvi pamusoro pake ndoworumwe rudzi, uye hakuna mumwe worudzi urwu akamboshumira paaritari.

14. Nokuti zviri pachena kuti Ishe wedu akabva kurudzi rwaJudha uye pamusoro porudzi rwaMozisi haana kureva zvavaprista.

15. Uye zvatataura zvinotova pachena kunyanya kana mumwe muprista akaita saMerikizedheki achionekwa,

16. uyo ava muprista kwete nokuda kwomurayiro wenhoroondo yamadzitateguru ake asi nokuda kwesimba roupenyu husingaparadziki.

Verenga chitsauko zvakakwana Vahebheru 7