Testamende Yekare

Testamende Itsva

Vahebheru 7:10-27 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

10. nokuti Merikizedheki paakasangana naAbhurahama, Revhi akanga achiri muchiuno chatateguru vake.

11. Kana kukwaniswa kwaigona kuvapo nenzira youprista hwaRevhi (nokuti vanhu vakapiwa murayiro nokuda kwahwo), ko, mumwe muprista aifanira kuzomuka sei, iye worudzi rwaMerikizedheki, asiri worudzi rwaAroni?

12. Nokuti kana uprista huchishandurwa, kunofanirawo kushandurwa murayiro.

13. Iye anorehwa zvinhu izvi pamusoro pake ndoworumwe rudzi, uye hakuna mumwe worudzi urwu akamboshumira paaritari.

14. Nokuti zviri pachena kuti Ishe wedu akabva kurudzi rwaJudha uye pamusoro porudzi rwaMozisi haana kureva zvavaprista.

15. Uye zvatataura zvinotova pachena kunyanya kana mumwe muprista akaita saMerikizedheki achionekwa,

16. uyo ava muprista kwete nokuda kwomurayiro wenhoroondo yamadzitateguru ake asi nokuda kwesimba roupenyu husingaparadziki.

17. Nokuti zvakataurwa zvichinzi:“Iwe uri muprista nokusingaperi,worudzi rwaMerikizedheki.”

18. Murau wokutanga wakaiswa padivi nokuti wakanga une utera uye usina maturo

19. (nokuti murayiro hauna chinhu chawakaita kuti chive chakakwana), uye tariro iri nani inoziviswa, yatinoswededzwa nayo pedyo naMwari.

20. Uye hazvina kuitwa pasina mhiko! Vamwe vakava vaprista pasina kana mhiko zvayo,

21. asi iye akava muprista ane mhiko, Mwari paakati kwaari:“Ishe akapikauye haangashanduri murangariro wake:‘Iwe uri muprista nokusingaperi.’ ”

22. Nokuda kwemhiko yake, Jesu akava rubatso rwesungano inopfuura nokunaka.

23. Zvino kwakava navazhinji vavaprista avo, nokuti rufu rwakavatadzisa kupfuurira mberi paushumiri;

24. asi Jesu, nokuti anogara nokusingaperi, ano uprista huchavapo nokusingaperi.

25. Naizvozvo anogona kuponesa zvizere vaya vanouya kuna Mwari kubudikidza naye, nokuti anorarama nokusingaperi achivanyengeterera.

26. Muprista mukuru akadai anotipa zvatinoshayiwa, iye mutsvene, asina chaangapomerwa, asina kusvibiswa, akatsaurwa kubva kuvatadzi, akasimudzirwa pamusoro pamatenga.

27. Asingafanani navaya vaprista, haafaniri kubayira zvipiriso zuva rimwe nerimwe, kutanga pamusoro pezvivi zvake, pashure pamusoro pezvivi zvavanhu. Iye akabayira zvivi zvavo kamwe chete zvikapera paakazvipa iye.

Verenga chitsauko zvakakwana Vahebheru 7