Testamende Yekare

Testamende Itsva

Vahebheru 6:17-20 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

17. Nokuti Mwari aida kuti aratidze pachena kusashanduka kwechido chake kuvadyi venhaka yakapikirwa, akakusimbisa nemhiko.

18. Mwari akaita izvi kuitira kuti, nezvinhu zviviri zvisingashanduki, zvokuti Mwari haagoni kureva nhema, isu vakatiza tikandobatisisa tariro yatakapiwa, tisimbiswe zvikuru.

19. Tine tariro iyi sechibatiso choMweya, chakasimba chisingazungunuswi. Inopinda mukati mechidzitiro chomutemberi,

20. makapinda Jesu akatitangira isu, akapinda akatimirira. Akava muprista mukuru nokusingaperi worudzi rwaMerikizedheki.

Verenga chitsauko zvakakwana Vahebheru 6