Testamende Yekare

Testamende Itsva

Vahebheru 5:6-14 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

6. Uye akati pane imwe nzvimbo,“Ndiwe muprista nokusingaperi,worudzi rwaMerikizedheki.”

7. Pamazuva oupenyu hwaJesu panyika, akauya kuna iye akanga achigona kumurwira parufu neminyengetero nemikumbiro, achichema nokuchema kukuru nemisodzi, uye akanzwika nokuda kwokutya kwake Mwari.

8. Kunyange zvake akanga ari mwanakomana, akadzidza kuteerera kubva pakutambudzika kwake

9. uye pakarepo akawaniswa, akazova muvambi wokuponeswa kusingaperi kuna vose vanomuteerera

10. uye akanzi naMwari ave muprista mukuru worudzi rwaMerikizedheki.

11. Tine zvizhinji zvokutaura pamusoro peizvi, asi zvinorema kuzvitsanangura kwamuri nokuti munononoka kunzwisisa.

12. Nokuti, kunyange maifanira kuva vadzidzisi pari zvino munotoda mumwe munhu kuti akudzidzisei zvakare zvokwadi yezvokuvamba zveshoko raMwari. Muchiri kuda mukaka, kwete zvokudya zvikukutu.

13. Mumwe nomumwe anoraramiswa nomukaka, achiri mucheche, haasati anzwisisa dzidziso pamusoro pokururama.

14. Asi zvokudya zvikukutu ndezvavakuru, avo vakazvidzidzisa nokuramba vachizviita, kutsaura zvakanaka kubva kune zvakaipa.

Verenga chitsauko zvakakwana Vahebheru 5