Testamende Yekare

Testamende Itsva

Vahebheru 4:5-11 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

5. Uyezve mundima iri pamusoro anoti, “Havazopindi muzororo rangu.”

6. Ichokwadi kuti vamwe vachapinda muzororo iroro, uye vaya vakatanga kuparidzirwa vhangeri kare havana kupinda, nokuda kwokusateerera kwavo.

7. Naizvozvo Mwari akaisazve rimwe zuva rinonzi Nhasi, paakataura kare kubudikidza naDhavhidhi, sezvazvakataurwa pakutanga zvichinzi:“Nhasi, kana muchinzwa inzwi rake,musaomesa mwoyo yenyu.”

8. Nokuti dai Joshua akanga avapa zororo, Mwari angadai asina kuzotaurazve nezverimwe zuva.

9. Naizvozvo richiripo, zororo reSabata ravanhu vaMwari;

10. nokuti ani naani anopinda muzororo raMwari anozororawo pabasa rake, sezvakaita Mwari pane rake.

11. Naizvozvo ngatishingairirei kuti tipinde muzororo iro, kuitira kuti pashayikwe achawa nokuda kwokutevera muenzaniso wavo wokusateerera.

Verenga chitsauko zvakakwana Vahebheru 4