Testamende Yekare

Testamende Itsva

Vahebheru 3:8-19 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

8. musaomesa mwoyo yenyu sezvamakaita panguva dzokumukira,panguva yokuedzwa murenje,

9. mandakaedzwa namadzibaba enyuuye kwamakore makumi mana vakaona zvandakaita.

10. Ndokusaka ndakatsamwira rudzi irworwo,uye ndikati, ‘Mwoyo yavo inogara ichitsauka,havana kuziva nzira dzangu.’

11. Naizvozvo ndakapika mhiko pakutsamwa kwangu ndikati,‘Havangazopindi pazororo rangu.’ ”

12. Hama dzangu, chenjererai kuti pakati penyu pasava nomunhu ano mwoyo usingatendi, une zvivi, unotsauka kubva kuna Mwari mupenyu.

13. Asi simbisanai zuva rimwe nerimwe, kana kuchinzi Nhasi, kuitira kuti kusava nomumwe wenyu anoomeswa nokunyengera kwezvivi.

14. Takauya kuzogovana muna Kristu kana tichibatisisa kuvamba kwokutenda kwedu kusvikira pakuguma.

15. Sezvazvakataurwa zvichinzi:“Nhasi, kana muchinzwa inzwi rake,musaomesa mwoyo yenyusezvamakaita panguva dzokumukira.”

16. Ndivanaaniko vakanzwa uye vakamukira? Havazivo here vaya vose vakatungamirirwa naMozisi pakubuda muIjipiti?

17. Uye ndivanaaniko vaakatsamwira kwamakore makumi mana? Havazivo here vaya vakatadza, vane mitumbi yakawira murenje?

18. Uye ndivanaaniko vakapikirwa mhiko naMwari kuti havangapindi muzororo rake kana vasiri ivo vaya vasina kuteerera?

19. Saka tinoona kuti havana kukwanisa kupinda, nokuda kwokusatenda kwavo.

Verenga chitsauko zvakakwana Vahebheru 3