Testamende Yekare

Testamende Itsva

Vahebheru 3:4-12 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

4. Nokuti imba imwe neimwe inovakwa nomunhu, asi Mwari ndiye muvaki wezvinhu zvose.

5. Mozisi akanga akatendeka somuranda muimba yose yaMwari, achipupura pamusoro pezvaizotaurwa munguva yaizotevera.

6. Asi Kristu akatendeka somwanakomana pamusoro peimba yaMwari. Uye isu tiri imba yake, kana tikabatisisa pakushinga kwedu uye netariro yatinozvirumbidza pamusoro payo.

7. Naizvozvo, sezvinotaura Mweya Mutsvene achiti:“Nhasi, kana muchinzwa inzwi rake,

8. musaomesa mwoyo yenyu sezvamakaita panguva dzokumukira,panguva yokuedzwa murenje,

9. mandakaedzwa namadzibaba enyuuye kwamakore makumi mana vakaona zvandakaita.

10. Ndokusaka ndakatsamwira rudzi irworwo,uye ndikati, ‘Mwoyo yavo inogara ichitsauka,havana kuziva nzira dzangu.’

11. Naizvozvo ndakapika mhiko pakutsamwa kwangu ndikati,‘Havangazopindi pazororo rangu.’ ”

12. Hama dzangu, chenjererai kuti pakati penyu pasava nomunhu ano mwoyo usingatendi, une zvivi, unotsauka kubva kuna Mwari mupenyu.

Verenga chitsauko zvakakwana Vahebheru 3