Testamende Yekare

Testamende Itsva

Vahebheru 13:1-16 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Rambai mune rudo pakati penyu sehama.

2. Musakanganwa kuitira vaeni rudo, nokuti vamwe mukuita izvi vakashumira vatumwa vasingazvizivi.

3. Rangarirai vaya vari mutorongo somunenge makasungwa pamwe chete navo, uye navaya vanoitirwa zvakaipa sokunge imi pachenyu ndimi muri kutambudzwa.

4. Kuwanana ngakukudzwe navose, uye nhoo yewanano ngairege kusvibiswa, nokuti Mwari achatonga mhombwe navose vanofeva.

5. Musakarira mari pamagariro enyu uye mugutsikane nezvamunazvo, nokuti Mwari akati:“Handingatongokusiyei;handingatongokurasei.”

6. Saka tinotsunga mwoyo, tichiti:“Ishe ndiye mubatsiri wangu, handingatyi.Munhu angandiiteiko?”

7. Rangarirai vatungamiri venyu vakakuparidzirai shoko raMwari. Cherechedzai kuguma kwokufamba kwavo muupenyu uye mugotevera kutenda kwavo.

8. Jesu Kristu anogara akadaro zuro nanhasi nokusingaperi.

9. Musatorwa nedzidziso dzimwe dzose dzose dzisingazivikanwi. Zvakanaka kuti mwoyo yedu isimbiswe nenyasha, kwete nezvokudya zvemitambo, zvisina kubatsira vaya vakazvidya.

10. Tine aritari isingatenderwi vanoshumira patabhenakeri kuti vadyepo.

11. Muprista mukuru anopinda neropa remhuka muNzvimbo Tsvene-tsvene sechipiriso chechivi, asi mitumbi yacho inopisirwa kunze kwomusasa.

12. Uye naizvozvo Jesu akatambudzikawo ari kunze kwesuo reguta kuti aite kuti vanhu vave vatsvene kubudikidza neropa rake.

13. Naizvozvo, ngatiendei kwaari kunze kwomusasa, titakure kunyadziswa kwake.

14. Nokuti pano hatina guta ratichagara, asi isu tinotsvaka richauya.

15. Naizvozvo, kubudikidza naJesu ngatirambei tichipa kuna Mwari chibayiro chokumurumbidza, ndicho chibayiro chemiromo inopupura zita rake.

16. Uye musakanganwa kuita zvakanaka nokugoverana navamwe, nokuti Mwari anofadzwa nezvibayiro zvakadai.

Verenga chitsauko zvakakwana Vahebheru 13