Zvitsauko

  1. 1
  2. 2
  3. 3
  4. 4
  5. 5
  6. 6
  7. 7
  8. 8
  9. 9
  10. 10
  11. 11
  12. 12
  13. 13

Testamende Yekare

Testamende Itsva

Vahebheru 12 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

Mwari anoranga Vanakomana Vake

1. Naizvozvo nesuwo, zvatakakomberedzwa negore rezvapupu rakakura rikadai, ngatibvisei zvose zvinoremedza, nechivi chinongotinamatira nyore, uye ngatimhanyei nokutsungirira, nhangemutange yatakaisirwa.

2. Tichitarira kuna Jesu muvambi nomukwanisi wokutenda kwedu; iye akatsunga pamuchinjikwa nokuda kwomufaro wakaiswa pamberi pake, akashora kunyadziswa kwawo, uye akandogara kurudyi rwechigaro choushe chaMwari.

3. Cherechedzai iye akatsunga pakupikiswa kwakadai navatadzi, kuti imi murege kuneta nokupera simba mumwoyo menyu.

4. Mukurwa kwenyu nechivi, hamusati madzivisa kusvikira pakubuda ropa.

5. Uye makanganwa shoko rokukurudzira rinotaura kwamuri savanakomana richiti:“Mwanakomana wangu, usazvidza kuranga kwaShe,usaora mwoyo kana uchirangwa naye,

6. nokuti Ishe anoranga uyo waanoda,uye anorova munhu wose waanogamuchira somwanakomana.”

7. Tsungai pamatambudziko sokurangwa; Mwari anokubatai imi savanakomana. Nokuti ndoupiko mwanakomana asingarangwi nababa vake?

8. Kana musingarangwi (uye vamwe vose vachirangwa), naizvozvo muri vana vasiri chaivo uye hamuzi vanakomana vechokwadi.

9. Uyezve, isu tose tina madzibaba edu epanyama anotiranga uye tinovakudza nokuda kwaizvozvo. Ko, hatingazviisi zvikuru pasi paBaba vemweya yedu uye tigororama!

10. Madzibaba edu aitiranga kwenguva duku sezvavaifunga kuti zvakafanira; asi Mwari anotiranga kuti zvitibatsire, kuti tigogoverwa utsvene hwake.

11. Hakuna kurangwa kunofadza panguva yacho, asi kuti kunorwadza. Asi, zvisinei, pashure kunobereka gohwo rokururama norugare kuna avo vakadzidziswa nako.

12. Naizvozvo, simbisai maoko akaneta namabvi anoshayiwa simba.

13. “Gadzirirai tsoka dzenyu nzira dzakarurama,” kuitira kuti anokamhina arege kuremara, asi kuti aporeswe.

Yambiro pamusoro poKuramba Mwari

14. Itai zvose zvamungagona kuti muve vatsvene; pasina utsvene hapana munhu achaona Ishe.

15. Chenjerai kuti kurege kuva nomunhu anorasikirwa nenyasha dzaMwari uye kuti mudzi wokuvava urege kumera kuti ugotambudza uye ugosvibisa vazhinji.

16. Chenjerai kuti kurege kuva nevanoita upombwe, kana nousina umwari saEsau, uyo akatengesa nhaka youdangwe hwake nokuda kwokudya kamwe chete.

17. Nokuti sezvamunoziva kuti pashure akati oda kugamuchira nhaka yokuropafadzwa, akarambwa. Nokuti haana kutendeuka, kunyange zvake akatsvaga mukomborero uyo nemisodzi.

18. Hamuna kumboswedera kugomo ringabatwa namaoko uye rinopfuta nomoto; kurima, kukusviba uye nokudutu guru;

19. kukurira kwehwamanda kana inzwi rinotaura mashoko zvokuti vaya vakarinzwa vakakumbirisa kuti varege kuudzwazve rimwe shoko,

20. nokuti vakanga vasingagoni kutakura zvakanga zvarayirwa sokuti: “Kunyange kana mhuka ipi zvayo ikabata gomo, inofanira kutakwa namabwe.”

21. Chakaonekwa chaityisa zvokuti Mozisi akati, “Ndiri kudedera nokutya.”

22. Asi mauya kuGomo reZioni, kuJerusarema rokudenga, guta raMwari mupenyu. Mauya kuzviuru nezviuru zvavatumwa vari paungano yomufaro,

23. kukereke yamatangwe, vane mazita akanyorwa kudenga. Mauya kuna Mwari, mutongi wavanhu vose, kumweya yavanhu vakarurama vakakwaniswa,

24. kuna Jesu murevereri wesungano itsva, uye kuropa rakasaswa rinotaura zviri nani pane raAbheri.

25. Chenjerai kuti murege kuramba iye anotaura. Kana ivo vasina kupunyuka pavakaramba iye akavayambira panyika, ko, kuzoti isu kana tikatsauka kubva kwaari anotiyambira kubva kudenga?

26. Panguva iyo inzwi rake rakazungunusa nyika, asi zvino akativimbisa, achiti, “Ndichazungunusazve kamwe chete, kwete nyika chete, asi nedengawo.”

27. Mashoko okuti, “Kamwe chetezve” anoratidza kubviswa kwezvinhu zvinogona kuzungunuswa, izvo zvinhu zvakasikwa, kuitira kuti zvisingagoni kuzungunuswa zvirambe zviripo.

28. Naizvozvo, zvatinogamuchira ushe husingagoni kuzungunuswa, ngativongei, uye tinamate Mwari zvinogamuchirika, tichimukudza uye tichimutya,

29. nokuti “Mwari wedu moto unoparadza.”