Testamende Yekare

Testamende Itsva

Vahebheru 10:29-39 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

29. Ko, munofunga kuti munhu, akatsika pasi petsoka dzake Mwanakomana waMwari uye akatora ropa resungano iri rakamuita mutsvene sechinhu chisiri chitsvene uye akatuka Mweya wenyasha, anofanira kurangwa zvikuru sei?

30. Nokuti tinomuziva iye akati, “Kutsiva ndokwangu; ini ndicharipira,” uyezve, “Ishe achatonga vanhu vake.”

31. Chinhu chinotyisa kuwira mumaoko aMwari mupenyu.

32. Rangarirai mazuva okutanga mushure mokugamuchira chiedza, amakatsunga pakurwa kukuru mukutambudzika.

33. Pane dzimwe nguva makatukwa uye mukatambudzwa pachena; pane dzimwe nguva makagovana navo vakaitirwawo izvozvo.

34. Makanzwira tsitsi avo vakanga vari mutorongo mukagamuchira nomufaro kupambwa kwenhumbi dzenyu, nokuti maiziva kuti imi pachenyu makanga mune pfuma yakapfuura nokunaka uye inogara.

35. Naizvozvo regai kurasa kusatya kwenyu, kuno mubayiro mukuru.

36. Munofanira kutsungirira kuitira kuti kana maita kuda kwaMwari mugogamuchira zvaakavimbisa.

37. Nokuti kanguva kaduku duku kasara,“Iye anouya, achauya, asinganonoki.

38. Asi akarurama wangu achararama nokutenda.Uye kana akadzokera shure,handichazofadzwi naye.”

39. Asi isu hatizi ivo vokudzokera shure, uye vanoparadzwa, asi tiri vokutenda uye tinoponeswa.

Verenga chitsauko zvakakwana Vahebheru 10