Testamende Yekare

Testamende Itsva

Vahebheru 10:23-33 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

23. Ngatibatisisei tisingazungunuswi tariro yatinopupura, nokuti iye akapikira akatendeka.

24. Uye ngatirangarirei kuti tingakurudzirana sei kuti tive norudo namabasa akanaka.

25. Tisarega kuungana sezvinoita vamwe, asi tikurudzirane, zvikuru sei sezvamunoona kuti Zuva roswedera.

26. Nokuti kana tikaramba tichitadza tichida, kana takambogamuchira ruzivo rwechokwadi, hakuchisinazve chimwe chibayiro chezvivi,

27. asi kungomirira tichitya kutongwa nokutsamwa kunopfuta somoto, kuchapedza vavengi vaMwari.

28. Munhu wose akaramba murayiro waMozisi akafa asinganzwirwi tsitsi pamberi pezvapupu zviviri kana zvitatu.

29. Ko, munofunga kuti munhu, akatsika pasi petsoka dzake Mwanakomana waMwari uye akatora ropa resungano iri rakamuita mutsvene sechinhu chisiri chitsvene uye akatuka Mweya wenyasha, anofanira kurangwa zvikuru sei?

30. Nokuti tinomuziva iye akati, “Kutsiva ndokwangu; ini ndicharipira,” uyezve, “Ishe achatonga vanhu vake.”

31. Chinhu chinotyisa kuwira mumaoko aMwari mupenyu.

32. Rangarirai mazuva okutanga mushure mokugamuchira chiedza, amakatsunga pakurwa kukuru mukutambudzika.

33. Pane dzimwe nguva makatukwa uye mukatambudzwa pachena; pane dzimwe nguva makagovana navo vakaitirwawo izvozvo.

Verenga chitsauko zvakakwana Vahebheru 10