Testamende Yekare

Testamende Itsva

Vagaratia 5:1-6 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Kristu akatisunungura kuti tive vakasununguka. Zvino, mirai nesimba, uye murege kuzviremedza zvakare nejoko routapwa.

2. Batai mashoko angu! Ini, Pauro, ndinokuudzai kuti kana muchidzingiswa, Kristu haachakosheswi kwamuri napaduku.

3. Uyezve, ndinotaura kumunhu wose anoda kudzingiswa kuti anofanira kuteerera murayiro wose.

4. Imi munoedza kushayirwa mhosva nomurayiro makaparadzaniswa naKristu; makabva panyasha.

5. Asi nokutenda tinoshinga kwazvo kumirira kururama, kunova ndiko kwatine tariro nako kubudikidza noMweya.

6. Nokuti muna Kristu Jesu kudzingiswa kana kusadzingiswa hazvina maturo. Chinhu chinokosha chete ndiko kutenda kunozviratidza kubudikidza norudo.

Verenga chitsauko zvakakwana Vagaratia 5