Testamende Yekare

Testamende Itsva

Vagaratia 3:22-29 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

22. Asi Rugwaro runotaura kuti nyika yose yakapfigirwa nechivi, kuitira kuti chiya chakavimbiswa, chiri chakapiwa kubudikidza nokutenda kuna Jesu Kristu, chipiwe kuna avo vanotenda.

23. Kutenda uku kusati kwasvika, takanga tiri vasungwa vomurayiro, takapfigirwa kusvikira kutenda kuchizoratidzwa.

24. Saka murayiro wakaiswa kuti utitungamirire kuna Kristu kuitira kuti tigoshayirwa mhosva nokutenda.

25. Zvino kutenda zvakwasvika, hatichisiri pasi pomurayiro.

26. Imi mose muri vanakomana vaMwari kubudikidza nokutenda muna Kristu Jesu,

27. nokuti imi mose makabhabhatidzwa muna Kristu makazvifukidza naKristu.

28. Hakuchina muJudha kana muGiriki, mutapwa kana akasununguka, murume kana mukadzi, nokuti imi mose muri vamwe muna Kristu Jesu.

29. Kana muri vaKristu, ipapo muri vana vaAbhurahama, uye vadyi venhaka maererano nechipikirwa.

Verenga chitsauko zvakakwana Vagaratia 3