5. Hatina kuvapa mukana napaduku, kuitira kuti chokwadi chevhangeri chigare mamuri.
6. Kana vari vaya vanonzi vanoremekedzwa, hazvinei kuti vakanga vakadii kwandiri hazvina mutsauko; Mwari haatongi nezvinoonekwa zvokunze, varume ivavo havana chavakawedzera pashoko rangu.
7. Zvisinei hazvo, vakaona kuti ndakapiwa basa rokuparidza vhangeri kuvaHedheni, sezvakaitwawo Petro kuvaJudha.