Testamende Yekare

Testamende Itsva

Vagaratia 1:1-6 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Pauro mupostori, asina kutumwa zvichibva kuvanhu kana navanhu, asi naJesu Kristu uye naMwari Baba, iye akamumutsa kubva kuvakafa,

2. nehama dzose dzineni,Kukereke dziri muGaratia:

3. Nyasha norugare zvinobva kuna Mwari Baba vedu nokuna Ishe Jesu Kristu ngazvive nemi,

4. akazvipa nokuda kwezvivi zvedu kuti atisunungure kubva munyika yakaipa yazvino, maererano nokuda kwaMwari Baba vedu,

5. ngaave nokubwinya nokusingaperi. Ameni.

6. Ndinoshamiswa kuti munokurumidza kusiya uyo akakudanai nenyasha dzaKristu uye muchitsaukira kune rimwe vhangeri,

Verenga chitsauko zvakakwana Vagaratia 1