19. Uye Mwari wangu achazadzisa zvamunoshayiwa zvose maererano nokubwinya kwepfuma yake muna Kristu Jesu.
20. Mwari naBaba vedu ngaave nokubwinya nokusingaperi-peri. Ameni.
21. Kwazisai vatsvene vose muna Kristu Jesu. Hama dzandinadzo dzinokukwazisai.
22. Vatsvene vose vanokukwazisai, kunyanya avo veimba yaKesari.
23. Nyasha dzaIshe Jesu Kristu ngadzive nomweya wenyu. Ameni.