Testamende Yekare

Testamende Itsva

Vafiripi 4:19-23 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

19. Uye Mwari wangu achazadzisa zvamunoshayiwa zvose maererano nokubwinya kwepfuma yake muna Kristu Jesu.

20. Mwari naBaba vedu ngaave nokubwinya nokusingaperi-peri. Ameni.

21. Kwazisai vatsvene vose muna Kristu Jesu. Hama dzandinadzo dzinokukwazisai.

22. Vatsvene vose vanokukwazisai, kunyanya avo veimba yaKesari.

23. Nyasha dzaIshe Jesu Kristu ngadzive nomweya wenyu. Ameni.

Verenga chitsauko zvakakwana Vafiripi 4