Testamende Yekare

Testamende Itsva

Vafiripi 4:17-23 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

17. Handirevi kuti ndinotsvaka chipo, asi ndinotsvaka izvo zvamungazopfumiswa nazvo.

18. Ndakagamuchira mubayiro uzere uye kunyange zvizhinji; ndava nezvakakwana, zvino zvandagamuchira kubva kuna Epafrodhito chipo chamakanditumira. Zvakaita sechipiriso chinonhuwira, chibayiro chakafanira, chinofadza Mwari.

19. Uye Mwari wangu achazadzisa zvamunoshayiwa zvose maererano nokubwinya kwepfuma yake muna Kristu Jesu.

20. Mwari naBaba vedu ngaave nokubwinya nokusingaperi-peri. Ameni.

21. Kwazisai vatsvene vose muna Kristu Jesu. Hama dzandinadzo dzinokukwazisai.

22. Vatsvene vose vanokukwazisai, kunyanya avo veimba yaKesari.

23. Nyasha dzaIshe Jesu Kristu ngadzive nomweya wenyu. Ameni.

Verenga chitsauko zvakakwana Vafiripi 4