Zvitsauko

  1. 1
  2. 2
  3. 3
  4. 4

Testamende Yekare

Testamende Itsva

Vafiripi 3 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

Kusavimba neNyama

1. Pakupedzisira, hama dzangu, farai muna She! Harisi dambudziko kwandiri kuti ndinyore zvinhu zvimwe chetezvo zvakare kwamuri, uye zvinokuchengetedzai imi.

2. Chenjererai imbwa dziya, vanhu vanoita zvakaipa, vaya vokucheka nyama.

3. Nokuti tisu vokudzingiswa, tisu tinonamata noMweya waMwari, vanozvirumbidza muna Kristu Jesu, uye vasingavimbi nenyama,

4. kunyange zvangu ini ndine chikonzero chokuvimba kwakadaro.Kana pano munhu zvake anofunga kuti ane chikonzero chokuvimba nenyama, ini ndinazvo zvakawanda:

5. ndakadzingiswa pazuva rorusere, ndiri mumwe wavanhu veIsraeri, worudzi rwaBhenjamini, muHebheru wavaHebheru; pamurayiro, ndiri muFarisi;

6. kana kuri kushingaira, ndichitambudza kereke; kana kuri kururama kwomurayiro, handina mhosva.

7. Asi zvose zvakanga zviri pfuma kwandiri, ndakaona kuri kurasikirwa nokuda kwaKristu.

8. Chimwezve ndakati zvinhu zvose kurasikirwa hako kana zvichienzaniswa noukuru hunopfurikidza hwokuziva Kristu Jesu, Ishe wangu, nokuti nokuda kwake ndakarasikirwa nezvinhu zvose. Ndakazviita marara, kuti ndiwane Kristu.

9. Uye kuti ndiwanikwe maari, ndisina kururama kwangu kunobva pamurayiro, asi uko kunouya kubudikidza nokutenda kuri muna Kristu, iko kururama kunobva kuna Mwari uye kuri kwokutenda.

10. Ndinoda kuziva Kristu nesimba rokumuka kwake uye nokuwadzana kwokugovana naye mumatambudziko ake, ndifanane naye pakufa kwake,

11. uye kuti, zvimwe, ndiwane kumuka kubva kuvakafa.

Kushingaira Kusvika kuMagumo

12. Kwete kuti ndatowana zvose izvi kare, kana kuti ndatokwaniswa, asi ndinoshingaira kuti ndichibate icho Kristu Jesu akandibatira.

13. Hama, handioni kuti ndatochibata. Asi ndinoita chinhu chimwe: Ndinokanganwa zviri shure ndichinanavira zviri mberi,

14. ndinoshingairira kunharidzano kuti ndiwane mubayiro wandakadanirwa naMwari kudenga muna Kristu Jesu.

15. Isu tose takura tinofanira kuva nepfungwa iyoyo. Uye kana pane dzimwe nguva imi muchifunga zvakasiyana, izvozvowo Mwari achazvijekesa kwamuri.

16. Ngatiraramei bedzi nezvatakawana.

17. Batanai navamwe mukutevera muenzaniso wangu, hama, uye mucherechedze avo vanorarama zviri maererano netsika dzatakakudzidzisai.

18. Nokuti, sezvandaimbokuudzai kare uye ndinodarozve kunyange zvino nemisodzi kuti, vazhinji vanorarama savavengi vomuchinjikwa waKristu.

19. Magumo avo ndiko kuparadzwa kwavo, Mwari wavo idumbu ravo, uye kuzvirumbidza kwavo ndiko kunyadziswa kwavo. Pfungwa dzavo dzinofunga zvinhu zvenyika.

20. Asi nyika yedu iri kudenga. Uye tinomirira Muponesi anobva ikoko, iye Ishe Jesu Kristu,

21. uyo ane simba rinomugonesa kuti auyise zvinhu zvose pasi pesimba rake, achavandudza miviri yedu yokuninipisa kuti ifanane nomuviri wake wokubwinya.