Testamende Yekare

Testamende Itsva

Vafiripi 2:3-21 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

3. Musaita chinhu nomwoyo wokuchiva kana kuzvikudza, asi mukuzvininipisa muchionawo vamwe kuti vari nani kupfuura imi.

4. Mumwe nomumwe wenyu ngaarege kungotsvaka zvake, asi zvavamwewo.

5. Kufunga kwenyu ngakuve sokwaKristu Jesu:

6. Uyo, kunyange aiva Mwari chaiye,haana kufunga kuti kuenzana naMwari chinhu chingabatisiswa,

7. asi akazviita chinhu pasina,akatora chimiro chomuranda chaiye,akaitwa somunhu.

8. Uye akati awanikwa ane chimiro chomunhu,akazvininipisa uye akateerera kusvikira pakufa,kunyange rufu pamuchinjikwa.

9. Naizvozvo Mwari akamukudza panzvimbo yapamusoro-soro,uye akamupa zita riri pamusoro pamazita ose,

10. kuti muzita raJesu mabvi ose apfugame,mudenga napanyika uye napasi penyika,

11. uye ndimi dzose dzipupure kuti Jesu Kristu ndiye She,kuti Mwari Baba vakudzwe.

12. Naizvozvo, shamwari dzangu dzinodiwa, sezvamunogara muchiteerera, kwete ndiripo bedzi, asi zvino zvikuru ndisipo, rambai muchishandira ruponeso rwenyu nokutya nokudedera,

13. nokuti ndiMwari anoshanda mukati menyu kuti mude uye muite maererano nokuda kwake kwakanaka.

14. Itai zvose musinganyunyuti kana kukakavara,

15. kuitira kuti mugova vasina chavangapomerwa uye vakachena, vana vaMwari vasina mhosva murudzi urwu rwakakombama uye rwakatsauka, rwamunovhenekera senyeredzi munyika

16. sezvamunobatirira pashoko roupenyu, kuitira kuti ndigozvirumbidza pazuva raKristu uye kuti handina kumhanya kana kushanda pasina.

17. Asi kunyange dai ndadururwa hangu sechipiriso chinonwiwa pamusoro pechibayiro noushumiri hunobva pakutenda kwenyu, ndinofara uye ndinofarisisa nemi mose.

18. Saka nemiwo munofanira kufara nokufarisisa neni.

19. Ndine tariro muna Ishe Jesu kuti nditume Timoti kwamuri nokukurumidza, kuti neniwo ndifare pandichanzwa mashoko pamusoro penyu.

20. Handina mumwe akaita saye, ane hanya kwazvo nokugara kwenyu kwakanaka.

21. Nokuti munhu wose anozvitsvakira zvake, zvisati zviri zvaJesu Kristu.

Verenga chitsauko zvakakwana Vafiripi 2