Testamende Yekare

Testamende Itsva

Vafiripi 2:12-23 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

12. Naizvozvo, shamwari dzangu dzinodiwa, sezvamunogara muchiteerera, kwete ndiripo bedzi, asi zvino zvikuru ndisipo, rambai muchishandira ruponeso rwenyu nokutya nokudedera,

13. nokuti ndiMwari anoshanda mukati menyu kuti mude uye muite maererano nokuda kwake kwakanaka.

14. Itai zvose musinganyunyuti kana kukakavara,

15. kuitira kuti mugova vasina chavangapomerwa uye vakachena, vana vaMwari vasina mhosva murudzi urwu rwakakombama uye rwakatsauka, rwamunovhenekera senyeredzi munyika

16. sezvamunobatirira pashoko roupenyu, kuitira kuti ndigozvirumbidza pazuva raKristu uye kuti handina kumhanya kana kushanda pasina.

17. Asi kunyange dai ndadururwa hangu sechipiriso chinonwiwa pamusoro pechibayiro noushumiri hunobva pakutenda kwenyu, ndinofara uye ndinofarisisa nemi mose.

18. Saka nemiwo munofanira kufara nokufarisisa neni.

19. Ndine tariro muna Ishe Jesu kuti nditume Timoti kwamuri nokukurumidza, kuti neniwo ndifare pandichanzwa mashoko pamusoro penyu.

20. Handina mumwe akaita saye, ane hanya kwazvo nokugara kwenyu kwakanaka.

21. Nokuti munhu wose anozvitsvakira zvake, zvisati zviri zvaJesu Kristu.

22. Asi munoziva kuti Timoti akaratidza kutendeka kwake, nokuti somwanakomana ana baba vake akashanda neni mubasa revhangeri.

23. Naizvozvo, ndine tariro yokuti ndimutume nokukurumidza kana ndaona kuti zvinhu zvinondifambira sei.

Verenga chitsauko zvakakwana Vafiripi 2