Zvitsauko

  1. 1
  2. 2
  3. 3
  4. 4
  5. 5
  6. 6

Testamende Yekare

Testamende Itsva

Vaefeso 6 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

Vana naVabereki

1. Vana, teererai vabereki venyu muna She, nokuti ndizvo zvakanaka.

2. “Kudza baba namai vako,” ndiwo murayiro wokutanga une chipikirwa,

3. “kuti uitirwe zvakanaka uye kuti ugare upenyu hurefu panyika.”

4. Vanababa, regai kutsamwisa vana venyu; asi, muvarere mukurovedza nokurayira kwaShe.

Varanda naVanatenzi

5. Varanda, teererai vatenzi venyu vapanyika noruremekedzo uye nokutya, uye nomwoyo wakatendeka, sokuteerera kwamunoita Kristu.

6. Musangovateerera kuti vakufarirei pavanenge vachikuonai chete, asi savaranda vaKristu, vanoita kuda kwaMwari zvichibva pamwoyo yavo.

7. Mushande nomwoyo wose, sokunge munoshandira Ishe, kwete munhu,

8. nokuti munoziva kuti Ishe achapa mubayiro mumwe nomumwe pane zvose zvakanaka zvaanoita, angava muranda kana akasununguka.

9. Uye imi vatenzi, mubate varanda venyu nenzira imwe cheteyo. Musavatyisa, sezvo muchiziva kuti Tenzi wavo nowenyu ari kudenga, uye haana rusaruro maari.

Nhumbi dzokurwa nadzwo dzaMwari

10. Pakupedzisira, ivai nesimba muna She nomusimba rake guru.

11. Shongai nhumbi dzose dzokurwa nadzo dzaMwari kuti mugogona kumira muchirwa namano adhiabhori.

12. Nokuti hatirwi nenyama neropa, asi navabati, navanesimba, namasimba enyika ino yerima uye namasimba emweya yakaipa ari muchadenga.

13. Naizvozvo shongai nhumbi dzose dzokurwa nadzo dzaMwari, kuti panosvika zuva rakaipa, mugokwanisa kumira, uye mushure mokunge maita zvinhu zvose, kuti mumire.

14. Zvino mirai nesimba, makasunga bhanhire rechokwadi muchiuno chenyu, nechidzitiro chechipfuva chokururama,

15. uye tsoka dzenyu dzakashongedzwa negadziriro inobva pavhangeri rorugare.

16. Pamusoro paizvozvi zvose, torai nhoo yokutenda, iyo yamunogona kudzima nayo miseve inopfuta yowakaipa.

17. Torai ngowani yoruponeso nomunondo womweya, iro shoko raMwari.

18. Uye munyengetere muMweya nguva dzose nemhando dzose dzeminyengetero nemikumbiro. Muine izvi mupfungwa dzenyu, murinde uye murambe muchinyengeterera vatsvene.

19. Munyengeterere neniwo, kuti pose pandinoshama muromo wangu, ndipiwe mashoko kuitira kuti ndigozivisa chakavanzika chevhangeri ndisingatyi,

20. iro randiri nhume yakasungwa nengetani. Nyengeterai kuti ndiritaure ndisingatyi, sezvandinofanira.

Mashoko Okupedzisira

21. Tikiko, hama inodikanwa nomuranda akatendeka muna She, achakuudzai zvinhu zvose, kuitira kuti nemiwo muzive zvandiri nezvandinoita.

22. Ndiri kumutuma kwamuri nokuda kwechinangwa ichi, kuti muzive kuti takaita sei, uye kuti akukurudzirei.

23. Rugare kuhama, norudo nokutenda zvinobva kuna Mwari Baba naIshe Jesu Kristu.

24. Nyasha kuna vose vanoda Ishe wedu Jesu Kristu norudo rusingaperi.