Zvitsauko

  1. 1
  2. 2
  3. 3
  4. 4
  5. 5
  6. 6

Testamende Yekare

Testamende Itsva

Vaefeso 4 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

Kubatana muMuviri waKristu

1. Sezvo ndiri musungwa waShe, zvino ndinokukurudzirai kuti murarame upenyu hwakafanira kudanwa kwamakagamuchira.

2. Muzvininipise zvachose uye mupfave; muite mwoyo murefu, muchiitirana mwoyo murefu murudo.

3. Mushingaire kuchengeta humwe hwoMweya kubudikidza nechisungo chorugare.

4. Pano muviri mumwe noMweya mumwe, sezvo makadanirwa kutariro imwe chete pamakadanwa,

5. Ishe mumwe, kutenda kumwe, rubhabhatidzo rumwe;

6. Mwari mumwe uye Baba vavose, ari pamusoro pavose, uye kubudikidza navose, uye muna vose.

7. Asi kuno mumwe nomumwe wedu kwakapiwa nyasha sokugoverwa kwadzakaitwa naKristu.

8. Ndokusaka zvichinzi:“Paakakwira kudenga,akatapa utapwauye akapa zvipo kuvanhu vake.”

9. (Zvinorevei kuti “akakwira” asi kuti akaburukawo kumativi ari pasi enyika?

10. Iye akaburuka ndiye chaiye akakwira kumusoro-soro kupfuura kudenga denga, kuitira kuti azadze pasi pose.)

11. Ndiye akapa vamwe kuti vave vapostori, vamwe kuti vave vaprofita, vamwe kuti vave vavhangeri, uye vamwe kuti vave vafudzi navadzidzisi,

12. kuti vagadzirire vanhu vaMwari pabasa rokushumira, kuitira kuti muviri waKristu uvakwe

13. kudzamara isu tose tasvika pahumwe hwokutenda uye nomukuziva Mwanakomana waMwari napamunhu akura, asvika pachiyero chose chokuzara kwaKristu.

14. Ipapo hatingazorambi tiri vacheche, vanosundirwa shure nemberi vachipeperetswa kuno nouko nemhepo ipi zvayo yedzidziso, uye nokunyengera nousvinu hwavanhu mukutsausa kwokunyengera kwavo.

15. Asi, tichitaura chokwadi murudo, tichakura pazvinhu zvose maari iye musoro, iye Kristu.

16. Kubva maari muviri wose, wakasanganiswa uye wakabatanidzwa pamwe chete nenhengo dzose dzichiusimbisa, unokura uye unozvivaka murudo, sezvo mutezo mumwe nomumwe uchiita basa rawo.

Kurarama savana vechiedza

17. Saka ndinokuudzai izvi, uye murambire pazviri muna She, kuti hamufaniri kuramba muchirarama savaHedheni, muupenzi hwendangariro dzavo.

18. Vakasvibiswa mukunzwisisa kwavo uye vakaparadzaniswa noupenyu hwaMwari nokuda kwokusaziva kuri mavari nokuda kwoukukutu hwemwoyo yavo.

19. Vasisina hanya, vakasvika kuutera kuitira kuti vagoita mabasa ose etsvina, nokuchiva zvakawanda.

20. Kunyange zvakadaro, imi hamuna kuziva Kristu saizvozvo.

21. Zvirokwazvo makanzwa nezvake uye makadzidziswa maari maererano nechokwadi chiri muna Jesu.

22. Makadzidziswa, maererano namafambiro enyu ekare, kuti mubvise munhu wenyu wekare, anoodzwa nokuchiva kwokunyengera;

23. kuti muitwe vatsva mukufunga kwendangariro dzenyu;

24. uye mufuke munhu mutsva, akasikwa kuti afanane naMwari mukururama kwechokwadi noutsvene.

25. Naizvozvo mumwe nomumwe wenyu anofanira kubvisa nhema uye ataure chokwadi kuno muvakidzani wake, nokuti isu tose tiri nhengo dzomuviri mumwe.

26. “Mukutsamwa kwenyu, musatadza.” Musarega zuva richivira muchaka-ngotsamwa,

27. uye musapa dhiabhori chinzvimbo.

28. Uyo akanga achimboba ngaarege kuzobazve, asi anofanira kushanda, achiita zvinhu zvinobatsira namaoko ake, kuti ave nechaangagovera avo vanoshayiwa.

29. Musarega kutaura kwakaora kuchibuda mumiromo yenyu, asi chete zvinobatsira pakuvaka vamwe maererano nezvavanoshayiwa, kuti zvigobatsira avo vanonzwa.

30. Uye musachemedza Mweya Mutsvene waMwari, uyo wakaitwa chisimbiso chenyu pazuva rokudzikinurwa.

31. Bvisai shungu dzose, hasha nokutsamwa, kupopota namakuhwa pamwe chete nokuvenga kwose.

32. Muitirane mwoyo munyoro uye munzwirane tsitsi, muchikanganwira mumwe nomumwe wenyu, sezvamakakanganwirwa naMwari muna Kristu.