Testamende Yekare

Testamende Itsva

Vaefeso 3:4-10 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

4. Mukuverenga izvi, ipapo muchagona kunzwisisa kuziva kwangu muchakavanzika chaKristu,

5. chisina kuziviswa kuvanhu kana mamwe marudzi sezvachakaratidzwa zvino noMweya kuvapostori navaprofita vatsvene vaMwari.

6. Chakavanzika ichi ndechokuti, kubudikidza nevhangeri, vaHedheni vadyi venhaka pamwe chete navaIsraeri uye inhengo pamwe chete dzomuviri mumwe chete, vagovani pamwe chete muchivimbiso chiri muna Kristu Jesu.

7. Ndakava muranda wevhangeri iri nechipo chenyasha dzaMwari dzakapiwa kwandiri kubudikidza nokushanda kwesimba rake.

8. Kunyange ndiri muduku pavanhu vose vaMwari, idzi nyasha dzakapiwa kwandiri: kuti ndiparidze vhangeri kuvaHedheni pfuma yaKristu isingawanikwi;

9. uye kuti ndiratidze pachena kuvanhu vose kugoverwa kwechakavanzika ichi, icho panguva yakare chakanga chakavigwa muna Mwari, iye akasika zvinhu zvose.

10. Zvaaida zvino ndezvokuti, kubudikidza nekereke, uchenjeri hwaMwari hukuru huziviswe kuvatongi navane simba vari muchadenga,

Verenga chitsauko zvakakwana Vaefeso 3