Testamende Yekare

Testamende Itsva

Vaefeso 2:8-18 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

8. Nokuti makaponeswa nenyasha, kubudikidza nokutenda, uye izvi hazvibvi kwamuri, chipo chaMwari,

9. kwete namabasa, kuti parege kuva nomunhu anozvikudza.

10. Nokuti tiri basa raMwari, rakasikwa muna Kristu Jesu kuti tiite mabasa akanaka, akagadzirwa naMwari kare kuti tiaite.

11. Naizvozvo, rangarirai kuti kare imi vaHedheni pakuzvarwa uye muchinzi “vasina kudzingiswa” naavo vaizviti “vakadzingiswa” (uko kunoitwa pamuviri namaoko avanhu),

12. rangarirai kuti panguva iyoyo makanga makaparadzaniswa naKristu, musingaverengwi muzvizvarwa zveIsraeri uye muri vatorwa musungano dzechipikirwa, musina tariro uye musina Mwari munyika.

13. Asi zvino muna Kristu Jesu, imi makanga muri kure kare, makaswededzwa pedyo kubudikidza neropa raKristu.

14. Nokuti iye pachake ndiye rugare rwedu, akaita kuti vaviri vave chinhu chimwe uye akaparadza mukaha, irwo rusvingo rwaiparadzanisa rwokuvengana,

15. nokuparadza munyama yake murayiro nezvakarayirwa zvawo uye zvakatemwa. Vavariro yake yakanga iri yokusika maari munhu mumwe chete mutsva kubva pavaviri, naizvozvo aite rugare,

16. uye mumuviri mumwe chete ayananise vose vari vaviri kuna Mwari kubudikidza nomuchinjikwa, akauraya kuvengana kwavo nawo.

17. Akauya akaparidza rugare kwamuri imi makanga muri kure uye rugare kuna avo vakanga vari pedyo.

18. Nokuti kubudikidza naye isu tose tinopinda kuna Baba noMweya mumwe chete.

Verenga chitsauko zvakakwana Vaefeso 2