Testamende Yekare

Testamende Itsva

Vaefeso 2:6-15 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

6. Uye Mwari akatimutsa pamwe chete naKristu akatigarisa muchadenga muna Kristu Jesu,

7. kuitira kuti munguva dzinouya aratidze pfuma yake huru yenyasha dzake, zvichiratidzwa muunyoro hwake kwatiri muna Kristu Jesu.

8. Nokuti makaponeswa nenyasha, kubudikidza nokutenda, uye izvi hazvibvi kwamuri, chipo chaMwari,

9. kwete namabasa, kuti parege kuva nomunhu anozvikudza.

10. Nokuti tiri basa raMwari, rakasikwa muna Kristu Jesu kuti tiite mabasa akanaka, akagadzirwa naMwari kare kuti tiaite.

11. Naizvozvo, rangarirai kuti kare imi vaHedheni pakuzvarwa uye muchinzi “vasina kudzingiswa” naavo vaizviti “vakadzingiswa” (uko kunoitwa pamuviri namaoko avanhu),

12. rangarirai kuti panguva iyoyo makanga makaparadzaniswa naKristu, musingaverengwi muzvizvarwa zveIsraeri uye muri vatorwa musungano dzechipikirwa, musina tariro uye musina Mwari munyika.

13. Asi zvino muna Kristu Jesu, imi makanga muri kure kare, makaswededzwa pedyo kubudikidza neropa raKristu.

14. Nokuti iye pachake ndiye rugare rwedu, akaita kuti vaviri vave chinhu chimwe uye akaparadza mukaha, irwo rusvingo rwaiparadzanisa rwokuvengana,

15. nokuparadza munyama yake murayiro nezvakarayirwa zvawo uye zvakatemwa. Vavariro yake yakanga iri yokusika maari munhu mumwe chete mutsva kubva pavaviri, naizvozvo aite rugare,

Verenga chitsauko zvakakwana Vaefeso 2