Testamende Yekare

Testamende Itsva

Vaefeso 2:5-10 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

5. akatiita vapenyu muna Kristu kunyange zvedu takanga takafa mukudarika kwedu, makaponeswa nenyasha.

6. Uye Mwari akatimutsa pamwe chete naKristu akatigarisa muchadenga muna Kristu Jesu,

7. kuitira kuti munguva dzinouya aratidze pfuma yake huru yenyasha dzake, zvichiratidzwa muunyoro hwake kwatiri muna Kristu Jesu.

8. Nokuti makaponeswa nenyasha, kubudikidza nokutenda, uye izvi hazvibvi kwamuri, chipo chaMwari,

9. kwete namabasa, kuti parege kuva nomunhu anozvikudza.

10. Nokuti tiri basa raMwari, rakasikwa muna Kristu Jesu kuti tiite mabasa akanaka, akagadzirwa naMwari kare kuti tiaite.

Verenga chitsauko zvakakwana Vaefeso 2