Testamende Yekare

Testamende Itsva

Vaefeso 2:11-21 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

11. Naizvozvo, rangarirai kuti kare imi vaHedheni pakuzvarwa uye muchinzi “vasina kudzingiswa” naavo vaizviti “vakadzingiswa” (uko kunoitwa pamuviri namaoko avanhu),

12. rangarirai kuti panguva iyoyo makanga makaparadzaniswa naKristu, musingaverengwi muzvizvarwa zveIsraeri uye muri vatorwa musungano dzechipikirwa, musina tariro uye musina Mwari munyika.

13. Asi zvino muna Kristu Jesu, imi makanga muri kure kare, makaswededzwa pedyo kubudikidza neropa raKristu.

14. Nokuti iye pachake ndiye rugare rwedu, akaita kuti vaviri vave chinhu chimwe uye akaparadza mukaha, irwo rusvingo rwaiparadzanisa rwokuvengana,

15. nokuparadza munyama yake murayiro nezvakarayirwa zvawo uye zvakatemwa. Vavariro yake yakanga iri yokusika maari munhu mumwe chete mutsva kubva pavaviri, naizvozvo aite rugare,

16. uye mumuviri mumwe chete ayananise vose vari vaviri kuna Mwari kubudikidza nomuchinjikwa, akauraya kuvengana kwavo nawo.

17. Akauya akaparidza rugare kwamuri imi makanga muri kure uye rugare kuna avo vakanga vari pedyo.

18. Nokuti kubudikidza naye isu tose tinopinda kuna Baba noMweya mumwe chete.

19. Saka, hamuchisiri vatorwa navaeni, asi vagari pamwe chete navanhu vaMwari uye neveimba yaMwari,

20. makavakwa panheyo dzavapostori navaprofita, naKristu Jesu pachake ari dombo rapakona.

21. Maari imba yose yakabatanidzwa pamwe chete uye inokura kuti ive temberi tsvene muna She.

Verenga chitsauko zvakakwana Vaefeso 2