Testamende Yekare

Testamende Itsva

Tito 3:8-15 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

8. Iri ishoko rezvokwadi. Uye ndinoda kuti usimbise kwazvo zvinhu izvi, kuitira kuti vaya vakatenda Mwari vachenjere kuti varambe vachiita mabasa akanaka. Zvinhu izvi zvakanaka uye zvinobatsira munhu wose.

9. Asi unzvenge mibvunzo youpenzi nenhoroondo dzamazita amadzitateguru, negakava nokukakavara pamusoro pomurayiro, nokuti izvi hazvina maturo uye hazvibatsiri.

10. Yambira munhu anotsausa, kokutanga uye ugomuyambirazve kechipiri. Mushure mezvo usava nechokuita naye.

11. Uve nechokwadi chokuti munhu akadaro akatsauka uye mutadzi; akazvirasa iye amene.

12. Pandichatuma Atema kana Tikiko kwauri, edza napaunogona napo pose kuti uuye kwandiri paNikopori, nokuti ndichagarako panguva yechando.

13. Ita zvose zvaungagona kuti ubatsire Zenasi mududziri womurayiro naAporo parwendo rwavo uye uite kuti varege kushayiwa chinhu.

14. Vanhu vedu vanofanira kudzidza kuzvipira kuita zvakanaka, kuitira kuti vagone kutibatsira pazvinhu zvinodiwa mazuva ose uye kuti vasararama upenyu husina zvibereko.

15. Vose vari kwandiri vanokukwazisa. Ukwazise vose vanotida mukutenda.Nyasha ngadzive nemi mose.

Verenga chitsauko zvakakwana Tito 3