Testamende Yekare

Testamende Itsva

Tito 3:2-5 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

2. kuti varege kuchera vamwe, kuti vagare murunyararo uye vaitire vamwe zvakanaka, uye kuti varatidze kuzvininipisa kwechokwadi kuvanhu vose.

3. Pane imwe nguva nesuwo takanga tiri mapenzi, tisingateereri, takanyengerwa, uye takatapwa nokuchiva kwose uye nezvinofadza. Taigara muruvengo negodo, tichivengwa nokuvengana.

4. Asi pakaratidzwa ngoni norudo rwaMwari Muponesi wedu,

5. akatiponesa, kwete nokuda kwezvinhu zvakarurama zvatakaita, asi nokuda kwetsitsi dzake. Akatiponesa kubudikidza nokuberekwa patsva nokuvandudzwa noMweya Mutsvene,

Verenga chitsauko zvakakwana Tito 3