Testamende Yekare

Testamende Itsva

Tito 2:9-13 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

9. Udzidzise varanda kuti vazviise pasi pavatenzi vavo pazvinhu zvose kuti vavafadze, kuti varege kupindurana navo,

10. uye kuti varege kuvabira, asi kuti varatidze kuti vakatendeka zvikuru kwazvo, kuitira kuti vashongedze dzidziso yaMwari Muponesi wedu pazvinhu zvose.

11. Nokuti nyasha dzaMwari dzinouyisa ruponeso dzakaratidzwa kuvanhu vose.

12. Dzinotidzidzisa kuti tirambe zvinhu zvisina umwari nokuchiva kwenyika, uye tirarame upenyu hwokuzvidzora, hwokururama uye hwoumwari munguva ino,

13. takamirira tariro yakaropafadzwa, kuonekwa kwokubwinya kwaMwari wedu mukuru noMuponesi, Jesu Kristu,

Verenga chitsauko zvakakwana Tito 2