Testamende Yekare

Testamende Itsva

Tito 2:1-9 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Unofanira kudzidzisa zviri maererano nedzidziso yakarurama.

2. Dzidzisa varume vakuru kuti vave vanozvibata, vakafanira kukudzwa, vanozvidzora, uye vakarurama pakutenda naparudo uye nomukutsungirira.

3. Saizvozvowo, dzidzisa vakadzi vakuru kuti vave nomufambiro wakafanira, vasingacheri, kana kuda waini zhinji, asi kuti vadzidzise zvakanaka.

4. Uye kuti vadzidzise vakadzi vaduku kuti vade varume vavo navana vavo,

5. kuti vave vanozvidzora uye vakachena, vanoshanda kumba, vave vanyoro uye kuti vazviise pasi pavarume vavo, kuitira kuti pashayikwe angazvidza shoko raMwari.

6. Zvimwe chetezvo, kurudzira majaya kuti azvidzore.

7. Pazvinhu zvose iwe uvaratidze somuenzaniso nokuita zvakanaka. Pakudzidzisa kwako udzidzise zvakakwana, uchirevesa

8. uye nokutaura kwakarurama kusingagoni kushorwa, kuitira kuti vaya vanokupikisa vanyadziswe nokuti havana chinhu chavangareva pamusoro pedu.

9. Udzidzise varanda kuti vazviise pasi pavatenzi vavo pazvinhu zvose kuti vavafadze, kuti varege kupindurana navo,

Verenga chitsauko zvakakwana Tito 2