Testamende Yekare

Testamende Itsva

Ruka 9:9-19 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

9. Asi Herodhi akati, “Johani ndakamugura musoro. Zvino, ndianiko uyu wandinonzwa zvinhu zvakadai pamusoro pake?” Akaedza kuti amuone.

10. Vapostori vakati vadzoka, vakarondedzera kuna Jesu zvavakanga vaita. Ipapo akavatora vakabva muchivande vakaenda kuguta rainzi Bhetisaidha,

11. asi vazhinji vakazviziva vakamutevera. Iye akavagamuchira akataura kwavari nezvoumambo hwaMwari, akaporesa avo vakanga vachida kuporeswa.

12. Zuva rovira, vane Gumi Navaviri vakauya kwaari vakati, “Endesai vanhu vazhinji ava kuitira kuti vaende kumisha nokumaruwa akapoteredza kuti vandozvitsvakira zvokudya nepokurara, nokuti tiri musango muno.”

13. Akavapindura akati, “Vapei imi zvokudya.”Ivo vakati, “Tinongova nezvingwa zvishanu nehove mbiri, kunze kwokunge tandotenga zvokudya zvavanhu vazhinji vose ava.”

14. Nokuti pakanga pane varume vangasvika zviuru zvishanu.Asi iye akati kuvadzidzi vake, “Vagarisei pasi vari mumapoka avanhu vangasvika makumi mashanu paboka rimwe nerimwe.”

15. Vadzidzi vakaita saizvozvo, uye munhu wose akagara pasi.

16. Akati atora zvingwa zvishanu nehove mbiri akatarisa kudenga, akavonga ndokuzvimedura. Ipapo akazvipa kuvadzidzi kuti vaise pamberi pavanhu.

17. Vose vakadya vakaguta, uye vadzidzi vakanonga matengu azere gumi namaviri ezvimedu zvakanga zvasara.

18. Rimwe zuva Jesu akati achinyengetera ari oga uye vadzidzi vake vakanga vanaye, akavabvunza akati, “Vanhu vazhinji vanoti ndini aniko?”

19. Vakapindura vakati, “Vamwe vanoti Johani Mubhabhatidzi, vamwe vachiti Eria, uye vamwezve vachiti, mumwe wavaprofita vakare akamuka kuvakafa.”

Verenga chitsauko zvakakwana Ruka 9