Testamende Yekare

Testamende Itsva

Ruka 9:51-62 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

51. Nguva yakati yasvika yokuti akwidzwe kudenga, Jesu akafunga zvokuenda kuJerusarema.

52. Uye akatuma nhume pamberi pake, ivo vakapinda mumusha weSamaria kundofanomugadzirira zvinhu;

53. asi vanhu voko havana kumugamuchira, nokuti akanga ava kuenda kuJerusarema.

54. Vadzidzi Jakobho naJohani vakati vaona izvi, vakabvunza vakati, “Ishe, munoda here kuti tidane moto uburuke kubva kudenga kuti uvaparadze?”

55. Asi Jesu akatendeuka akavatsiura,

56. uye akabva akaenda kuno mumwe musha.

57. Vakati vachifamba mumugwagwa, mumwe munhu akati, “Ndichakuteverai kwose kwamunoenda.”

58. Jesu akapindura akati, “Makava ane mwena yawo uye shiri dzedenga dzine matendere adzo, asi Mwanakomana woMunhu haana paangatsamidza musoro wake.”

59. Akati kuno mumwe murume, “Nditevere.”Asi murume uyu akapindura akati, “Ishe, nditenderei kuti ndinoviga baba vangu.”

60. Jesu akati kwaari, “Rega vakafa vavige vakafa vavo, asi iwe enda undoparidza umambo hwaMwari.”

61. Mumwezve akati, “Ndichakuteverai, Ishe; asi kutanga regai ndimbondoonekana nemhuri yangu.”

62. Jesu akapindura akati, “Hakuna munhu anoti kana akaisa ruoko rwake pagejo akacheuka angafanirwa nokushumira muumambo hwaMwari.”

Verenga chitsauko zvakakwana Ruka 9