Testamende Yekare

Testamende Itsva

Ruka 9:44-61 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

44. “Teereresai kune zvandiri kuda kukutaurirai: Mwanakomana woMunhu ava kuzopandukirwa agoiswa mumaoko avanhu.”

45. Asi havana kunzwisisa kuti zvairevei. Zvakanga zvakavanzika kwavari, naizvozvo havana kuzvibata, uye vakanga vachitya kumubvunza pamusoro pazvo.

46. Nharo dzakatanga pakati pavadzidzi dzokuti mukuru ndiani.

47. Jesu, achiziva kufunga kwavo, akatora mwana muduku ndokumumisa parutivi rwake.

48. Ipapo akati kwavari, “Ani naani anogamuchira mwana muduku uyu muzita rangu anondigamuchira; uye ani naani anondigamuchira, anogamuchira uyo akandituma. Nokuti muduku pakati penyu mose ndiye mukuru.”

49. Johani akati, “Tenzi, takaona munhu achidzinga madhimoni muzita renyu uye tikaedza kumudzivisa, nokuti haazi mumwe wedu.”

50. Jesu akati, “Musamudzivisa, nokuti ani naani asingapesani nemi ndowenyu.”

51. Nguva yakati yasvika yokuti akwidzwe kudenga, Jesu akafunga zvokuenda kuJerusarema.

52. Uye akatuma nhume pamberi pake, ivo vakapinda mumusha weSamaria kundofanomugadzirira zvinhu;

53. asi vanhu voko havana kumugamuchira, nokuti akanga ava kuenda kuJerusarema.

54. Vadzidzi Jakobho naJohani vakati vaona izvi, vakabvunza vakati, “Ishe, munoda here kuti tidane moto uburuke kubva kudenga kuti uvaparadze?”

55. Asi Jesu akatendeuka akavatsiura,

56. uye akabva akaenda kuno mumwe musha.

57. Vakati vachifamba mumugwagwa, mumwe munhu akati, “Ndichakuteverai kwose kwamunoenda.”

58. Jesu akapindura akati, “Makava ane mwena yawo uye shiri dzedenga dzine matendere adzo, asi Mwanakomana woMunhu haana paangatsamidza musoro wake.”

59. Akati kuno mumwe murume, “Nditevere.”Asi murume uyu akapindura akati, “Ishe, nditenderei kuti ndinoviga baba vangu.”

60. Jesu akati kwaari, “Rega vakafa vavige vakafa vavo, asi iwe enda undoparidza umambo hwaMwari.”

61. Mumwezve akati, “Ndichakuteverai, Ishe; asi kutanga regai ndimbondoonekana nemhuri yangu.”

Verenga chitsauko zvakakwana Ruka 9