Testamende Yekare

Testamende Itsva

Ruka 9:35-55 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

35. Inzwi rakabva mugore, rikati, “Uyu ndiye Mwanakomana wangu, musanangurwa wangu; muteererei.”

36. Inzwi rakati rataura izvozvo, vakaona Jesu ava oga. Vadzidzi vakanyarara, vakasaudza munhu zvavakanga vaona panguva iyoyo.

37. Fume mangwana, pavakaburuka mugomo, vazhinji zhinji vakasangana naye.

38. Mumwe murume akanga ari pakati pavanhu vazhinji akadanidzira achiti, “Mudzidzisi, ndokukumbirai kuti muonewo mwanakomana wangu, nokuti ndiye oga mwana wangu.

39. Mweya wakaipa unomubata pakarepo oridza mhere; wobva womubvundisa achipupuma furo pamuromo. Haudi kumuregedza uye unomuparadza.

40. Ndakakumbira vadzidzi venyu kuti vaudzinge, asi vakasagona.”

41. Jesu akapindura akati, “Haiwa rudzi rusingatendi, rwakatsauka, ndichagara nemi kusvikira riniko ndichikuitirai mwoyo murefu? Uyai pano nomwanakomana wenyu.”

42. Kunyange pakanga pachiuya mukomana, dhimoni rakamuwisira pasi rikamubvundisa. Asi akarayira mweya wakaipa, akaporesa mukomana ndokubva amudzosera kuna baba vake.

43. Uye vose vakashamiswa noukuru hwaMwari.Munhu wose paakanga achakashamiswa nezvose zvakanga zvaitwa naJesu, akati kuvadzidzi vake,

44. “Teereresai kune zvandiri kuda kukutaurirai: Mwanakomana woMunhu ava kuzopandukirwa agoiswa mumaoko avanhu.”

45. Asi havana kunzwisisa kuti zvairevei. Zvakanga zvakavanzika kwavari, naizvozvo havana kuzvibata, uye vakanga vachitya kumubvunza pamusoro pazvo.

46. Nharo dzakatanga pakati pavadzidzi dzokuti mukuru ndiani.

47. Jesu, achiziva kufunga kwavo, akatora mwana muduku ndokumumisa parutivi rwake.

48. Ipapo akati kwavari, “Ani naani anogamuchira mwana muduku uyu muzita rangu anondigamuchira; uye ani naani anondigamuchira, anogamuchira uyo akandituma. Nokuti muduku pakati penyu mose ndiye mukuru.”

49. Johani akati, “Tenzi, takaona munhu achidzinga madhimoni muzita renyu uye tikaedza kumudzivisa, nokuti haazi mumwe wedu.”

50. Jesu akati, “Musamudzivisa, nokuti ani naani asingapesani nemi ndowenyu.”

51. Nguva yakati yasvika yokuti akwidzwe kudenga, Jesu akafunga zvokuenda kuJerusarema.

52. Uye akatuma nhume pamberi pake, ivo vakapinda mumusha weSamaria kundofanomugadzirira zvinhu;

53. asi vanhu voko havana kumugamuchira, nokuti akanga ava kuenda kuJerusarema.

54. Vadzidzi Jakobho naJohani vakati vaona izvi, vakabvunza vakati, “Ishe, munoda here kuti tidane moto uburuke kubva kudenga kuti uvaparadze?”

55. Asi Jesu akatendeuka akavatsiura,

Verenga chitsauko zvakakwana Ruka 9