Testamende Yekare

Testamende Itsva

Ruka 9:34-45 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

34. Akati achiri kutaura izvi, gore rakasvika rikavafukidza, uye vakatya pavakapinda mugore.

35. Inzwi rakabva mugore, rikati, “Uyu ndiye Mwanakomana wangu, musanangurwa wangu; muteererei.”

36. Inzwi rakati rataura izvozvo, vakaona Jesu ava oga. Vadzidzi vakanyarara, vakasaudza munhu zvavakanga vaona panguva iyoyo.

37. Fume mangwana, pavakaburuka mugomo, vazhinji zhinji vakasangana naye.

38. Mumwe murume akanga ari pakati pavanhu vazhinji akadanidzira achiti, “Mudzidzisi, ndokukumbirai kuti muonewo mwanakomana wangu, nokuti ndiye oga mwana wangu.

39. Mweya wakaipa unomubata pakarepo oridza mhere; wobva womubvundisa achipupuma furo pamuromo. Haudi kumuregedza uye unomuparadza.

40. Ndakakumbira vadzidzi venyu kuti vaudzinge, asi vakasagona.”

41. Jesu akapindura akati, “Haiwa rudzi rusingatendi, rwakatsauka, ndichagara nemi kusvikira riniko ndichikuitirai mwoyo murefu? Uyai pano nomwanakomana wenyu.”

42. Kunyange pakanga pachiuya mukomana, dhimoni rakamuwisira pasi rikamubvundisa. Asi akarayira mweya wakaipa, akaporesa mukomana ndokubva amudzosera kuna baba vake.

43. Uye vose vakashamiswa noukuru hwaMwari.Munhu wose paakanga achakashamiswa nezvose zvakanga zvaitwa naJesu, akati kuvadzidzi vake,

44. “Teereresai kune zvandiri kuda kukutaurirai: Mwanakomana woMunhu ava kuzopandukirwa agoiswa mumaoko avanhu.”

45. Asi havana kunzwisisa kuti zvairevei. Zvakanga zvakavanzika kwavari, naizvozvo havana kuzvibata, uye vakanga vachitya kumubvunza pamusoro pazvo.

Verenga chitsauko zvakakwana Ruka 9