Testamende Yekare

Testamende Itsva

Ruka 9:29-44 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

29. Akati achinyengetera, kuonekwa kwechiso chake kwakashanduka, nguo dzake dzikachena dzikapenya sokupenya kwemheni.

30. Varume vaviri, vanoti, Mozisi naEria,

31. vakaonekwa vari mukubwinya, vachitaura naJesu. Vakataura pamusoro pokuzoenda kwake, kwaakanga ondozadzisa paJerusarema.

32. Petro navaaiva navo vakanga vava kubatwa nehope, asi vakati vanyatsomuka, vakaona kubwinya kwake uye varume vaviri vamire naye.

33. Varume ava vakati vobva pana Jesu, Petro akati kwaari, “Tenzi, zvakanaka kuti isu tigare pano. Ngativakei matumba matatu, rimwe renyu, rimwe raMozisi uye rimwe raEria.” Akanga asingazivi zvaaireva.

34. Akati achiri kutaura izvi, gore rakasvika rikavafukidza, uye vakatya pavakapinda mugore.

35. Inzwi rakabva mugore, rikati, “Uyu ndiye Mwanakomana wangu, musanangurwa wangu; muteererei.”

36. Inzwi rakati rataura izvozvo, vakaona Jesu ava oga. Vadzidzi vakanyarara, vakasaudza munhu zvavakanga vaona panguva iyoyo.

37. Fume mangwana, pavakaburuka mugomo, vazhinji zhinji vakasangana naye.

38. Mumwe murume akanga ari pakati pavanhu vazhinji akadanidzira achiti, “Mudzidzisi, ndokukumbirai kuti muonewo mwanakomana wangu, nokuti ndiye oga mwana wangu.

39. Mweya wakaipa unomubata pakarepo oridza mhere; wobva womubvundisa achipupuma furo pamuromo. Haudi kumuregedza uye unomuparadza.

40. Ndakakumbira vadzidzi venyu kuti vaudzinge, asi vakasagona.”

41. Jesu akapindura akati, “Haiwa rudzi rusingatendi, rwakatsauka, ndichagara nemi kusvikira riniko ndichikuitirai mwoyo murefu? Uyai pano nomwanakomana wenyu.”

42. Kunyange pakanga pachiuya mukomana, dhimoni rakamuwisira pasi rikamubvundisa. Asi akarayira mweya wakaipa, akaporesa mukomana ndokubva amudzosera kuna baba vake.

43. Uye vose vakashamiswa noukuru hwaMwari.Munhu wose paakanga achakashamiswa nezvose zvakanga zvaitwa naJesu, akati kuvadzidzi vake,

44. “Teereresai kune zvandiri kuda kukutaurirai: Mwanakomana woMunhu ava kuzopandukirwa agoiswa mumaoko avanhu.”

Verenga chitsauko zvakakwana Ruka 9