Testamende Yekare

Testamende Itsva

Ruka 9:1-11 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Jesu akati aunganidza vadzidzi vake pamwe chete, akavapa simba nechikuriri kuti vadzinge madhimoni nokuporesa zvirwere,

2. akavatuma kuti vandoparidza umambo hwaMwari nokuporesa vairwara.

3. Akavarayira akati, “Musatakura chinhu parwendo, mudonzvo, kana hombodo, kana chingwa, kana mari, kana imwe nguo.

4. Muimba ipi neipi yamunopinda, mugaremo kusvikira mabva muguta imomo.

5. Kana vanhu vasingakugamuchiriyi, muzunze guruva retsoka dzenyu pamunenge mabuda muguta ravo, chive chapupu pamusoro pavo.”

6. Saka vakasimuka vakabuda vakaenda kumusha nomusha, vachiparidza vhangeri nokuporesa vanhu kwose kwose.

7. Zvino Herodhi mubati akanzwa pamusoro pezvose zvakanga zvichiitika. Akakanganisika, nokuti vamwe vakanga vachiti Johani akanga amutswa kubva kuvakafa,

8. vamwe vachiti Eria akanga aonekwa, uyezve vamwe vachiti mumwe wavaprofita vakare akanga amuka.

9. Asi Herodhi akati, “Johani ndakamugura musoro. Zvino, ndianiko uyu wandinonzwa zvinhu zvakadai pamusoro pake?” Akaedza kuti amuone.

10. Vapostori vakati vadzoka, vakarondedzera kuna Jesu zvavakanga vaita. Ipapo akavatora vakabva muchivande vakaenda kuguta rainzi Bhetisaidha,

11. asi vazhinji vakazviziva vakamutevera. Iye akavagamuchira akataura kwavari nezvoumambo hwaMwari, akaporesa avo vakanga vachida kuporeswa.

Verenga chitsauko zvakakwana Ruka 9