Testamende Yekare

Testamende Itsva

Ruka 8:35-44 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

35. uye vanhu vakabuda kunoona zvakanga zvaitika. Vakati vasvika kuna Jesu vakawana munhu akanga abuda madhimoni maari, agere pamakumbo aJesu, apfeka uye ava munhu kwaye, vakatya.

36. Vaya vakanga vazviona vakaudza vanhu kuti munhu akanga ane dhimoni ainge aporeswa sei.

37. Ipapo vanhu vose vomunyika yeGerasa vakakumbira Jesu kuti abve kwavari, nokuti vakanga vabatwa nokutya. Saka akapinda mugwa akaenda.

38. Munhu akanga abuda madhimoni maari akamukumbirisa kuti aende naye, asi Jesu akamuendesa, achiti,

39. “Dzokera kumba kwako undotaura kuti Mwari akuitira zvinhu zvakadaro sei.” Saka munhu uyu akaenda akandotaura muguta rose zvinhu zvikuru zvaakanga aitirwa naJesu.

40. Zvino Jesu akati adzoka, akagamuchirwa navanhu vazhinji, nokuti vakanga vakamutarisira.

41. Ipapo murume ainzi Jairosi, mubati wesinagoge, akauya akawira patsoka dzaJesu, akamukumbirisa kuti auye kumba kwake

42. nokuti mwanasikana wake akanga achingova mumwe oga, musikana aiva namakore anenge gumi namaviri, akanga afa.Jesu akati achiendako, vanhu vazhinji vakange vachamutsikirira.

43. Uye paiva nomumwe mukadzi aiva nechirwere chokubuda ropa kwamakore gumi namaviri, asi kusina munhu aigona kumuporesa.

44. Akauya neshure kwaJesu akabata mupendero wenguo yake, pakarepo kubuda kweropa kukabva kwaguma.

Verenga chitsauko zvakakwana Ruka 8